1 Corinthians 16

Zvipo zvekupa vamwe vatendi

1Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo. 2Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika. 3Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema. 4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni. 5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia; 6uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda. 7Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera. 8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*. 9Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo. 10Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo. 11Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama. 12Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira. 13Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe. 14Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo. 15Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene; 16kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira. 17Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu. 18Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro. 19Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo. 20Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. 21Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. 22Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe! 23Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi. 24Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.

Copyright information for Shona